1. Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera uye ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari uye nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.
2. Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kuvaHedheni. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri.
3. Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.”