Zekaria 6:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakasimudzazve meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva nengoro ina dzaibuda kubva pakati pamakomo maviri, makomo endarira!

2. Ngoro yokutanga yakanga ine mabhiza matsvuku, yechipiri ine matema.

3. Yechitatu ine machena uye yechina ine mapfumbu, ose aiva nesimba.

4. Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Zviiko izvi, ishe wangu?”

Zekaria 6