12. Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?”
13. Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.”
14. Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.”