Zekaria 2:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’

6. “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7. “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”

8. Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake,

9. zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma.

Zekaria 2