Varoma 2:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere kumuHedheni.

11. Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.

12. Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro.

13. Nokuti havazi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama.

Varoma 2