Varoma 12:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.

13. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.

14. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.

15. Farai navanofara; chemai navanochema.

16. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

Varoma 12