Varoma 11:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri.

32. Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.

33. Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!Kutonga kwake hakunganzverwi,uye makwara ake haangarondwi!

34. “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe?Kana akava mupi wake wamazano?”

Varoma 11