Varoma 11:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kuvaHedheni kuti Israeri ive negodo.

12. Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kuvaHedheni, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!

13. Ndiri kutaura kwamuri imi vaHedheni. Sezvandiri mupostori wavaHedheni, ndinokudza ushumiri hwangu

14. netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo.

15. Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu?

Varoma 11