8. Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.
9. Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zviri nani, zvinhu zvinobatana pamwe chete noruponeso.
10. Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.
11. Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.