Vahebheru 5:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.

4. Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.

5. Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu;nhasi ndava baba vako.”

6. Uye akati pane imwe nzvimbo,“Ndiwe muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”

7. Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.

Vahebheru 5