10. Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.
11. Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.
12. Anoti,“Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”
13. Uyezve anoti:“Ndichavimba naye.”Uyezve anoti:“Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”
14. Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori
15. uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.
16. Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama.
17. Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake nenzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.
18. Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.