6. zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivihamuna kufadzwa nazvo.
7. Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano,mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu,ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8. Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo” (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).
9. Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.
10. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.