Vahebheru 10:24-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.

25. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

26. Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,

27. asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.

28. Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.

Vahebheru 10