7. Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.
8. Ngatiendei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatiendei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, panhongonya peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
9. Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; ndatorwa mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
10. Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini. Uye kunhuwira kwamafuta ako okuzora vkunokunda zvose zvinonhuwira.