1. Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
2. Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
3. Kunhuwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
4. Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.Tinokupembererai nokukufarirai, ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.Regai zvenyu mhandara dzikudei!
5. Kusviba ndakasviba zvangu, vanasikana veJerusarema, asi ndakanaka hangu, ndakasviba samatende eKedhari, kana kuti samaketeni apamawindo eimba yaSoromoni.
6. Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
7. Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?