Ruka 7:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume.

2. Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, uyo aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa.

3. Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake.

Ruka 7