Ruka 23:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.

13. Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,

14. akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.

15. Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.

16. Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”

17. (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)

18. Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”

19. (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)

20. Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.

21. Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

22. Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”

Ruka 23