Ruka 23:10-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva.

11. Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.

12. Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.

13. Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,

14. akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.

15. Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.

16. Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”

17. (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)

18. Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”

19. (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)

20. Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.

21. Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

22. Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”

23. Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.

24. Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.

25. Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.

26. Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.

Ruka 23