Ruka 22:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.

15. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17. Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

Ruka 22