Ruka 19:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.

5. Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.”

6. Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.

7. Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugunun'una vachiti, “Aenda kundova mueni wo‘mutadzi.’ ”

Ruka 19