Ruka 17:34-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Ndinoti kwamuri, pazuva iro vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe; mumwe achatorwa mumwe achisiyiwa.

35. Vakadzi vaviri vachange vachikuya zviyo pamwe chete; mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.

36. Varume vachange vari mumunda. Mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.”

37. Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?”Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.”

Ruka 17