Ruka 12:55-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

55. Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo.

56. Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino?

57. “Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama?

58. Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri.

59. Ndinoti kwauri, haungabudimo usati waripa sendi rokupedzisira.”

Ruka 12