Ruka 12:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”

22. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei.

23. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka.

24. Fungai makunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei!

25. Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya?

26. Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe?

27. “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya.

Ruka 12