7. Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.”
8. Saka Aroni akauya kuaritari akabaya mhuru sechipiriso chechivi chake.
9. Vanakomana vake vakauya neropa kwaari akanyika munwe wake muropa akariisa panyanga dzearitari. Rimwe ropa rose akaridururira mujinga mearitari.
10. Akapisa mafuta, itsvo namafuta akafukidza chiropa kubva pachipiriso chechivi paaritari sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
11. Nyama nedehwe akazvipisa kunze kwomusasa.
12. Ipapo akabaya chipiriso chinopiswa, uye vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
13. Vakamutambidza chipiriso chinopiswa chidimbu nechidimbu zvichisanganisira musoro akazvipisa paaritari.
14. Akasuka ura namakumbo akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa paaritari.
15. Ipapo Aroni akauya nechipiriso chavanhu, uye akatora mbudzi yechipiriso chavanhu chechivi akaiuraya uye akaipa sechipiriso chechivi sezvaakaita neyokutanga.
16. Akauya nechipiriso chinopiswa akachipa nenzira yakatarwa.
17. Akauyawo nechipiriso chezviyo, akatora tsama yacho akaipisa paaritari achiwedzera pachipiriso chinopiswa mangwanani.
18. Akabaya hando negondohwe sechipiriso chokuwadzana chavanhu. Vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
19. Asi mafuta ehando neegondohwe, chimuswe chakakora, fukidziro yamafuta, itsvo nezvinofukidza chiropa,
20. izvi vakazviisa pazvityu. Aroni akapisa mafuta paaritari.
21. Aroni akaninira zvityu nebandauko rokurudyi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira sokurayirwa kwaMozisi.