Revhitiko 6:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva.

6. Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondohwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana.

7. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.”

8. Jehovha akati kuna Mozisi,

Revhitiko 6