Revhitiko 5:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. “Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka.

18. Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondohwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa.

19. Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.”

Revhitiko 5