Revhitiko 4:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Achabvisa mafuta ose sokubviswa kunoitwa mafuta pachibayiro chokuwadzana uye muprista achazvipisa paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye acharegererwa.

32. “ ‘Kana akauya negwayana rechipiriso chake chezvivi, anofanira kuuya nesheshe isina kuremara.

33. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro waro agoribaya sechibayiro chezvivi panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa.

34. Ipapo muprista achatora rimwe ropa racho nomunwe wake agoriisa panyanga dzearitari yechibayiro chinopiswa agodurura rimwe ropa rose mujinga mearitari.

Revhitiko 4