21. Ani naani anouraya mhuka anofanira kudzoredzera asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa.
22. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wako.’ ”
23. Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.