Revhitiko 22:30-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha.

31. “Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha.

32. Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene

33. uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”

Revhitiko 22