Revhitiko 19:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.

3. “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

4. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira zvimwari zvesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

Revhitiko 19