Revhitiko 18:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. “ ‘Usavata nomurume somurume anovata nomukadzi; zvinonyangadza.

23. “ ‘Usasangana nemhuka uye ugozvisvibisa nayo. Mukadzi haafaniri kuzvipa kumhuka kuti asangane nayo; uku kunyangadza kukuru.

24. “ ‘Musazvisvibisa neimwe yenzira idzi nokuti ndudzi dzandichadzinga pamberi penyu dzakazvisvibisa naizvozvo.

25. Kunyange nyika yakasvibiswa; naizvozvo ndakairanga nokuda kwezvakaipa zvayo uye nyika yakarutsa vagari vayo.

Revhitiko 18