Revhitiko 16:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake.

7. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana.

8. Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa.

Revhitiko 16