Revhitiko 1:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vanakomana vaAroni, muprista, vanofanira kuisa moto paaritari vagoronga huni pamoto.

8. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vacharonga zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.

9. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista agopisa zvose paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

10. “ ‘Kana chipiriso chiri chinopiswa chinobva muzvipfuwo chiri chegwai kana chembudzi anofanira kupa chikono chisina kuremara.

11. Ngaachibayire parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni vaprista vagosasa ropa kumativi ose earitari.

12. Anofanira kucheka nyama muzvidimbu uye muprista achaironga pamwe chete nomusoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.

Revhitiko 1