Numeri 27:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha

6. Uye Jehovha akati kwaari,

7. “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.

8. “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.

Numeri 27