1. Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu,
2. avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava.
3. Saka Israeri akabatana navo naBhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.
4. Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”