Numeri 24:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:“Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;

22. asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”

23. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

24. Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.”

25. Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.

Numeri 24