Numeri 24:20-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti,“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”

21. Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:“Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;

22. asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”

23. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

Numeri 24