1. Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondohwe manomwe.”
2. Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.
3. Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.