Numeri 18:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.

21. “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana.

22. Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa.

Numeri 18