10. Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi peTende reChipupuriro, kuti ichengetwe sechiratidzo kuvanhu vanondimukira. Izvozvi zvichagumisa kundipopotera kwavo, kuti varege kufa.”
11. Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha, izvozvo ndizvo zvaakaita.
12. VaIsraeri vakati kuna Mozisi, “Isu tichafa hedu! Takarasika, takarasika isu tose!
13. Ani naani achaswedera patabhenakeri yaJehovha achafa. Ko, isu tose tichafa here?”