Numeri 10:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe.

3. Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana.

4. Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako.

5. Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba.

6. Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe.

7. Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo.

8. “Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera.

9. Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu achakununurai kubva kuvavengi venyu.

Numeri 10