Nehemia 9:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose.

6. Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri mairi. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zvokudenga zvinokunamatai.

7. “Ndimi Jehovha Mwari, makasarudza Abhurahama mukamubudisa munyika yeUri yavaKaradhea mukamutumidza kuti Abhurahama.

8. Makawana mwoyo wake wakatendeka kwamuri, uye makaita sungano naye kuti mupe kuzvizvarwa zvake nyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaJebhusi navaGirigashi. Makachengeta vimbiso yenyu nokuti makarurama.

9. “Makaona kutambudzika kwamadzitateguru edu muIjipiti; mukanzwa kuchema kwavo pagungwa dzvuku.

Nehemia 9