3. Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe chete muzvina chezuva, ndokupedzazve chimwe chikamu chimwe chete muzvina chezuva, vachireurura nokunamata Jehovha Mwari wavo.
4. VaRevhi vaiti, Jeshua, Bhani, naKadhimieri, naShebhania, naBhuni, naSherebhia naBhani uye Kenani, vakamira pakakwirira vakadana nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.
5. Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose.
6. Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri mairi. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zvokudenga zvinokunamatai.