40. zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
41. zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana;
42. zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe.
43. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana.
44. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere.
45. Varindi vamasuwo: zvizvarwa zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere.
46. Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, Hasufa, Tabhoati,
47. Kerosi, Sia, Padhoni,
48. Rebhana, Hagabha, Sharimai,
49. Hanani, Gidheri, Gehari,
50. Reaya, Rezini, Nekodha,
51. Gazamu, Uza, Pesea,
52. Bhesai, Meunimi, Nefusimu,
53. Bhakuki, Hakufa, Harihuri,
54. Bhazuruti, Mehidha, Harisha,
55. Bharikosi, Sisera, Tema,
56. Nezia, naHatifa.
57. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha,
58. Jaara, Dharikoni, Gidheri,
59. Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni.
60. Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.