9. Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera.
10. Pakabatana navo Jedhaya mwanakomana waHarumafi akagadzira chikamu chakatarisana neimba yake, uye Hatushi mwanakomana waHashabheneya akagadzira chikamu chaitevera.
11. Marikija mwanakomana waHarimu naHashubhi mwanakomana waPahatiMoabhu vakagadzira chimwe chikamu uye neShongwe yeMahovhoni.
12. Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera achibatsirwa navanasikana vake.
13. Suo roMupata rakagadzirwa naHanuni navagari veZanoa. Vakarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudi nemazariro esimbi panzvimbo yawo. Vakagadzirawo makubhiti chiuru chimwea orusvingo kudzamara vasvika paSuo raMarara.