13. Cherechedza zvakaitwa naMwari:Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?
14. Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.
15. Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi:akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.
16. Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?
17. Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana?
18. Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza.
19. Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.
20. Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi.
21. Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,
22. nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.
23. Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati,“Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni.
24. Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana?