Muparidzi 7:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva.

12. Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.

13. Cherechedza zvakaitwa naMwari:Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?

14. Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.

15. Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi:akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.

16. Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?

Muparidzi 7