Muparidzi 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.

2. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.

3. Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.

4. Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.

Muparidzi 7