Muparidzi 10:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.

7. Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

8. Ani naani anochera gomba angangowira mariri; ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.

9. Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo; ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.

10. Kana demo rakagomara uye rikasarodzwa, panodiwa simba rakawanda, asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.

11. Kana nyoka ikaruma isati yabviswa uturu, murapi haachabatsiri.

12. Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro, asi benzi rinomedzwa nomuromo waro.

Muparidzi 10