1. Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka, saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
2. Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi, asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe.
3. Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.